Reading Zimbabwe: TUDIKIDIKI

tudikidiki by memory chinyerere

“Munhu wese pasi pano anekanyaya kehupenyu hwake kanomuvhundutsa. Kanyaya kaasingagone kutaurira kana ani zvake. Kanyaya kakangofananawo nekaronda kekumusana kasinganyatsopora. Karonda kausingagone kuratidza mumwe munhu kuti akukwenye uchitya kuti angazoudza vamwe vanhu achiti, ” …wamunowona uyo, ane karonda kasingapore, kanonhuwa sehanyanisi.”

Tudikidiki ukaritarisa unorishora uchiti kabhuku kadikidiki. Unogona kuzvinyepera kuti ndinokaverenga mumaawa mashomanana ndikakapedza nekuti kane tunyaya tudikidiki Kabhuku kakatakura zvakakatakura. Kanetunyaya tupfupipfupi, tunyaya twekuti ukapedza kuverenga tunokushungurudza kwenguva yakareba. Ndakawona kuti kabhuku aka kaida ndikaverenge pfungwa dziri pamwechete, dzisina kubvanganyurwa nezviitiko zvezuva. Kaida ndikaverenge kunyanyanya rungwanangwana ndisati ndaremerwa netwakawandawanda nekuti kabhuku kane tunyaya twakatakura zvatwakatakura.

Muna Amai naBaba muna Maggie anechishuvo chake. Anoowona kuputsika kwainge koita Mai nababa vake. Maggie anoedza paanogona pese kuti avabatanidze. Anokunda, chishuvo chake chozadziswa. Ndinoidira kuti inoita kunga ine “kahappy ever after” mukati. Manyorerwo akaitwa kanyaya aka kanogona kutwa bhaisikopo risingataurwi riya rikabuda zvinoshamisa.

Pempani Pembani kuita kunge kuti Chirikure Chirikure…mukomana wekuramba kufuririka. Aigona chikoro zvaibhowa vamwe kunyangwe aibva kumusha kwaiva nehurombo hwaizivikanwa mitunhu yakawanda. Aiva zvakare nechipo chekudhirowa. Ndakafarira zvikuru kuti vamwe vana vepachikoro chaaidzidza vaimubatsira nechikafu nokuti vaiziva kwaibva Pembani kwaiva nenzara. Vamwe vana vakayedza kumukukumbira kuti asiyane nekuita nhamba hwani, iye akabvuma asi kupera kwetemu vakazoshamisika ari iye ari nhamba hwani.

Imwe nyaya yakandinakidza inonzi Pasi peNgoma. Iyi inyaya inobva yandifungisa chimbo chaTocky na EXQ chinonzi, “Wakatemba,”…Big-Boy Chiseko akatorerwa musikana na Remington akabva aita Chiseko sezita rake. Inopenengura nyaya yatinoti, “procrastination” pachirungu.

Nyaya yaGabhu nekambo kake Kamwe karwizi inyaya inoti vhundutsei kwekupedzisira. “Waiti ukamubvunza kuti kambo aka ainge akadzidziswa nani, aitsinzinyira. Aizovhura maziso onongedzera miti, matombo, uswa. zvuru, makomo, ivhu, mombe…Kuziva kuti munhu wamaigara naye muchifarira maimbiro ake, maimbiro aivhura ndangariro dzakazvirarira, akaponda baba vake, zvinhu zvinovhundutsa.

Kune varume vanorarama neraki kunga Mandiziva. Ndakambonzwa munyori, vaChirere vachiverenga nyaya iyi. Pandakaiverenga ndainzwa maverengero avo. Dzimwe nguva chinhu chakanaka kunzwa munyori achiverenga zvaakanyora nokuti unogona kuverenga nepasipo.

Chichena, chirefu, chinonhuwirira…imwe yenyaya dzinotemesa musoro. Imwe yenya dzinoda kuti munhu azviverengere oga kunge imwe yacho Roja rababa vaBiggie. Hanzi Muroindishe.

Ndikakurega handizokuwona ndiyo yangu chaiyo. Inotaura nezverudo rwakadzika zvokuti runoponesa munjodzi. Mumarengenya munoita kunga musina chirimo, muzere mazirudo. Mazirudo anopa upenyu.

Patunyaya makumi maviri turi mukabhuku aka unogona kuwona woseka wega kunga Gora nokuti unogona kuzviwona urimo mukati menyaya. “Gora rinoseka kunge mvura iri kuchururuka mukarwizi kanodzika kubva mugomo. Kobo kobo kobo kobo-o kuseka.”. Unogona kuchema zvakare nekuseka ikoko, usisaseke tunyaya asi uchizviseka iwe wega.

Tudikidiki kabhuku kakanyorwa naMemory Chirere kakatsikiswa mugore ra2007 nePriority Projects Publishing. Ndinotenda sahwira wangu Tinashe Muchuri akandikweretesa bhuku iri, igoridhe. Dai raizowanikwawo zvakare kuti mukwanise kurava moga.

#ReadingZimbabwe